Mbuya Chivambu

Mbuya Chivambu

Share

Contact information, map and directions, contact form, opening hours, services, ratings, photos, videos and announcements from Mbuya Chivambu, Health/Beauty, Harare.

14/03/2026

KURAMBA CHIVANHU

Kana uchida kuona kuti hupenyu hunogona kuoma kusvika pekupedzisira ramba chivanhu chiri pauri semugarwi. Vadzimu nemadzisahwira vedare vakanatso gara pasi vakaona kuti iwewe ndiwe wakakodzera kutakura zambuko redzinza rese kana renyika iwewe oramba zvako. Saka munoti shuwa votobvuma kuti aiwa uyu watakasarudza aramba regai tiende kumwe. Vadzimu havashande nenzira iyoyo.

Kana urimugarwi woramba hako kutekaidza matare izvi ndozvavanogona kukuita kusvika wagamuchira zviri pauri.

Unogona kushaya mushando. Vanonatsokutendera kuti ufunde nesimba upase kana kutoita graduate zvako asi pakuwana mushando apo vochikuratidza rawakazvarirwa chairo. Aiwa unokanda ma CV kusvika waneta ugotsvagawo nemushando uripasi pasi pe degree rako ugoushaya futi kusvika pakufunga kuti wakaroiwa ugofambira yehuroi kupi nekupi vachikuudza nhau imwe chete iyoyo "gadzirisa chivanhu chiri pauri.

Zvekushaya mushando zvikava nani. Unogona k***ara zvek***ara zviya uchienda kuchipatara vokuudza kuti hapana chavari kuona, ugobva ikoko oti regai ndimboenda kuna madzibaba Gabriero vokuudza kuti aiwa uneshavi renjuzu rinoda kugadziriswa oti mapostori nekunyepera vanhu vese vese kuti unenjuzu ndavharwa apa regai ndiende kuna Sekuru Mhofu vokuudza kuti aiwa muzukuru chirwere chiripauri hachirapike vekwenyu varikuti ugadzirise dare rako ukaramba unoita seuchafa nechirwere kusvika wagadzirisa.

Chirwere chinorwadza asi zvimwe zvavanogona kukuita manje unogona kutorasika njere. Ehe kusvika pakunhonga marara chaiwo uchiita seurikutaura nendimi kunge une zvauri kuona zvisingaonekwe nevamwe. Kusvika vekwenyu vazokunzwira tsitsi vochikufambira wopora otanga kutekaidza dare rako nemazvo.

Zvino semunhu akangwara usarambe chivanhu chiripauri kana kunonoka kugadzirisa. Ukaudzwa na sahwira kuti uneshavi kana mudzimu, suma vekwako vakujekesere, kana zvirizvo kumbira kuratidzwa sahwira angakubatsira kutekaidza dare rako. Kana pane zvinoda kutengwa zvirinani kuti kana une makwati obva watenga.
+263719071278

14/03/2026

CHII CHINONZI MUDZIMU CHII CHINONZI SHAVE
Musiyano wemudzimu neshavi, mudzimu ndewedzinza rako ,so Mudzimu uyu ndounozouya nemabasa awo . Umwe ndewekuchengeta nekupayambiro,umwe mudzimu ndewemakwenzi uchirapa asi usina matare umwe mudzimu unoita zvese Devine and Herbal intervention,umwe muroti chete anokuudzai nekukuonesai zviri mberi. Tochipinda panaTetegururu kn zvichinzi teteguru ndomudzimu mukuru wedzinza rese uye URI mukuru kune Mufzimu.Teteguru anoshandisa mvura kn bute zvienderana kt mudzinza renyu vaibata sei.Kn Ari teteguru wevechiRudzi anoshandisa upfu nemvura yekunaya . Tochibva ipapo toenda kumuShaviri anotsvagwa nemudzimu anomirira zvePfuma kn k***a Hondo kunyanya shavi reDzviti.Musakanganise pamaSpirits aya anoti Svikiro, Mudzimu neShavi ,zvinoda kupatsanurwa nkt zvine mugadzirirwo wazvo. Ndomafambisirwo ematare Acho.Tinoda kunzwisisa pamidzimu nemashavi nkt panewo midzimu nemashavi akaipa saka panoda kuVetwa nevanonzvera nezvazvo usati watambira nkt tikuzoona mouya muchichema muchiti takaitiswa zvisizvo.Munombozviongorora hr kt musati matenga machiraor kubikiswa doro upenyu hwako hwaiendeka usati watenga machira or kubikiswa doro,zvodudzira kt you put the cart b4 the oxen hazvifambe sekudaro.tangoti tionesane chete ndatenda
Matare nemakwenzi
078 868 7468

04/02/2026

Dare rudo
Dare tsitsi
Dare runyararo
Ukabata ipapo wagona ukaona wapotsa ipapo uchigere kuita matare ukanzwisisa kuti fembo ndere kufembedza vakuru vegere pauri kwete hondo aiwa wayaruka pamatare tinonzwa munoisa fembo mumipanda regai tipatsanure nhau yacho
FEMBO REMATARE
panoitwa nhaurirano pakati pako iwe dunga munhu nemhepo (vakuru vekwako ) ndo pakushanda fembo ematare chinofamba ne dare ndo pandareva tsitsi rudo runyararo zvareva kuti iwe uchataura nevakuru vako waka tetekera wakadzikama wakanyorova mhaka uri kuda nhaurirano pamatare saka kuzhangandira ndekwei ???
FEMBO REHONDO
fembo iri ndiri kuona riri kushandiswa pasipo ririkushandiswa zvisizvo ehe hongu hondo dziriko mukurarama asi vazhinji vedu takusikira vasina mhaka hondo
Ndinoti ko tadii kushandisa hondo payaka fanira
Vanetswa nevane zvikwereti
Vanetswa nemujolo
Vanetswa nemadzinza hongu munotenderwa mochirega kuisa chikwarimba
Kabadza
Kana fembo remhondoro pasi hazvisi zvehondoo ko ipo pamuri kuita matare enyu ehondo magara pasi here nevakuru venyu kumatare ? Mapangidzwa here kuti itai chino ne chino kana kuti rava remufungo wako ? Muri kupiwa gwara here nevekwenyu kana kuti muri kuita musanganiswa ? Dambudziko zvawaona kwa sahwira ndizvo zvawava kutedzera fuko ra sahwira ndo rawakushongao iwewe wazviwanepi ? Hauna chako chauri kuita asi rese rauri kutekaidza ndere kwa sahwira matare haafanane munhu ita redzinza rako kwete kuita zvasahwira sahwira ngaave muyananise kwete kugara uri pahupote
Matare nemakwenzi
071 907 1278

23/01/2026

Traditional Healer | Spiritual Guide |Ancestors Wisdom
Healing through ancient methods passed down through generations
Located in Stoneridge Harare Zimbabwe
Call /App
071 907 1278
゚viralシalシ

07/12/2025

For all your traditional herbs
App or call
078 868 7468

09/08/2025

Ndinoda vanoda kuuchikwa vane kutenda kwete ana doubting Thomas..ndiri kutaura nearikuti ndaneta nekusekwa ndakuda kubatao wangu mwana nwe wandiri kutaura naye
App/call
078 868 7468
Stoneridge Harare

09/08/2025

+263719071278 vachada makwenzi echivanhu ndinowanika mu guta re harare

09/08/2025

+263719071278
Matare nemakwenzi

17/02/2025
30/05/2024

*Maizviziva here*
Kupfekedzana futi hembe paChivanhu chedu hakukurudzirwe munotapurirana mhepo ,Zambia futi harikurudzirwe kumbokweretesa bhururu ,kana atoritora ibva wamupa hako zvachose ndozvimwe zvinoita varume vaende ,zambia rinoshanda zvakawanda ndosaka muchiona chero machembere chaiwo muroad vakaona munhu chero afenta vanomupumha nezambia ,haisi nhau yekuti varikumuisa m
Fresh air but iro Zambia pacharo rinehukoshwa yakaera pariri paya hausingori mucheka kwete,munhu kadzi Iva nezambia rako raunomonera usingakumbidzani memunhu

29/05/2024

*CHAVANOKU ZVONDERA VARIKUCHISHAYA MAWARI. UNE ROPA RE HUSHE. UNEZODZO*
HAVAZIVE KUTI UNOCHENGTWA NEDENGA NEVADZMU
PAVANO KUCHEMEDZA KWAVARI VANORANGWA KUSVIKA WAWA KUTI IWEWE UNOROYA OR SOMETHING. VANENGE WAKUTADZA. UNE ZODZO
BATAI SHOKO IRI
HAKUNA CHICHAKUBATA CHISINGAZO VABATAWO IWAWA WAKASHATA MOYO AVA.
SHAMWARI IDZI NDOO MHANDU DZAKO. SHAMWARI INOKUTSIKA BAPIRO. TAMBA WEGA
MHONDORO INOFAMBA YEGA
SIYA HWAI DZIFAMBE DZEGA
MASHAVE ENJUZU AZERE MUVANHU. HONGU AKANAKA ASI AZANGANA WA SATAN NEKUDA KWE HUSHAMWARI UHWU.

Want your business to be the top-listed Beauty Salon in Harare?
Click here to claim your Sponsored Listing.

Category

Website

Address


Harare